Skip to main content

SALC in the news: African Union yokurudzirwa kuti igadzirise bopoto romuka muZimbabwe pamberi pesarudzo

By 15 March 2023April 28th, 2023Civic Rights Expression, Civic Rights News, Eswatini, Zimbabwe2 min read

15 Kukadzi 2023
By: VOA Shona

Sangano reSouthern African Litigation Centre kana kuti SALC riri kukurudzira African Union kuti igadzirise nyaya yekusagadzikana kwezvinhu muZimbabwe nemuEswatini pamberi pesarudzo dziri kutarisirwa kuitwa gore rino.

African Union iri kuita musangano wechimakumi matatu nenhantatu kana kuti 36th Ordinary Session kuAddis Ababa, Ethiopia kune muzinda wenyika iyi.

Sangano reSALC, iro rinokurudzira nekusimudzira kodzero dzevanhu pamwe nehutongo kwejekerere kuchamhembe kweAfrica, rinoti riri kushushikana zvikuru nekumbunyikidzwa kwevanorwira kodzero dzevanhu, vanoita zvematongerwo enyika uye vatori venhau munyika dzemuSADC.

Semuenzaniso, SALC yati muZimbabwe muna Gunyana wegore rakapera, vanyori Tsitsi Dangarembga naJulie Barnes vakawanikwa vaine mhosva yekuda kukurudzira vanhu kuti vapandukire hurumende mushure mekuneg varatidzira murunyararo vachida kuti munyika muve neshanduko.

Muzvare Tambudzai Gonese, avo vanoshanda nesangano reSALC vati kutyorwa kwekodzero yevanhu yekuratidzira murunyararo kwakadai kunofanira kuzeyiwa neAfrican Union.

SALC inotiwo muEswatini, gweta rine mukurumbira rinorwira kodzero dzevanhu, mushakabvu Thulani Maseko, akaurayiwa zvine hutsinye mukati musi wa21 Ndira 2023, maawa mashoma Mambo Mswati wechipiri vatyisidzira vaishora matongero avo.

Muzvare Gonese vati idzi ndidzo dzimwe nyaya dzinofanira kugarirwa pasi neAfrican Union.

Vachipawo maonero avo, vakafanobata chigaro chemutevedzeri wezvekuburitswa kwemashoko mubato rinopikisa reCitizens Coalition for Change kana kuti Tripple C, VaOstallos Siziba vanoti SALC yabaya dede nemukanwa.

Vati pane kuwedzera kwekutyorwa kwekodzero dzevanhu kune vagari vane maonero akasiyana neZANU PF uye kushandiswa kwemapurisa kusunga zvisina tsarukano vanorwira kodzero dzevanhu, vatori venhau, nevaratidziri nevamwe vevanopikisa vakaita semutevedzeri wasachigaro webato iri VaJob Sikhala.

Asi mukuru mubazi rinoona nezvekuburitswa kwemashoko mubato reZANU PF, VaTafadzwa Mugwadi vati muZimbabwe mune runyararo.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kuti Zimbabwe neEswatini dzichaiswa mugango here kana kuti kwete sezvo Muzvare Limi Mohammed Shash, avo vanoona nezvekuburitswa kwemashoko mubandiko rezvematengerwo enyika, runyararo nekudzivirirwa kana kuti Department of Political Affairs, Peace and Security in the African Union Commission vanga vasati vapindura mibvunzo yatavatumira kusvika taenda pamhepo.

Misangano yekuAfrican Union iyi yatanga nhasi ichitarisirwa kupera mangwana makurukota ehurumende achisangana. Vatungamiri venyik vari kutarisirwa kuita musangano kubva musi wa18 kusvika 19 Kukadzi.

 

Listen on YouTube